Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 150 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

1Rumbidzai Jehovha.Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene;murumbidzei mumatenga esimba rake.

2Murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba;murumbidzei nokuda kwoukuru hwake hunokunda zvose.

3Murumbidzei nenzwi rehwamanda,murumbidzei nembira nomutengeranwa.

4Murumbidzei nematambureni muchitamba,murumbidzei norudimbwa nenyere.

5Murumbidzei namakandira anorira,murumbidzei namakandira anorira kwazvo.

6Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.Rumbidzai Jehovha.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]