Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 12 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Nziyo dzoKurumbidza

1Pazuva iro muchati,“Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,kunyange makanga makanditsamwira,kutsamwa kwenyu kwakadzorwauye makandinyaradza.

2Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;ndichavimba naye uye handingatyi.Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;ava ruponeso rwangu.”

3Nomufaro muchachera mvurakubva mumatsime oruponeso.

4Pazuva iro muchati,“Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai zvaakaita pakati pendudzi,uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.

5Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;izvi ngazvizivikanwe pasi pose.

6Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]