Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 23 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.

2Anondivatisa pamafuro manyoro,anondisesedza pamvura inozorodza,

3anoponesa mweya wangu.Anondifambisa panzira dzokururamanokuda kwezita rake.

4Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,handingatyi zvakaipa,nokuti imi muneni;tsvimbo yenyu nomudonzvowenyu zvinondinyaradza.

5Munondigadzirira tafurapamberi pavavengi vangu.Munozodza musoro wangu namafuta;mukombe wangu unopfachukira.

6Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,mazuva ose oupenyu hwangu,uye ndichagara mumba maJehovhanokusingaperi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]