Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 24 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Pisarema raDhavhidhi.

1Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,nyika, navose vanogaramo;

2nokuti akaiteya pamusoro pamakungwauye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

3Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

4Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,kana kupika nhema.

5Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovhanokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

6Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera

7Simudzai misoro yenyu, imi masuo;muisimudze, imi makonhi akare,kuti Mambo wokubwinya apinde.

8Ndianiko uyu Mambo wokubwinya?Ndiye Jehovha ane simba noumhare,Jehovha ane simba pakurwa.

9Simudzai misoro yenyu, imi masuo;muasimudze, imi makonhi akare,kuti Mambo wokubwinya apinde.

10Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya?Jehovha Wamasimba Ose,ndiye Mambo wokubwinya. Sera

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]