Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 6 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,kana kundiranga muhasha dzenyu.

2Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3Mweya wangu uri kurwadziwa.Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5Hakuna anokurangarirai kana afa.Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6Ndaneta nokugomera;ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7Meso angu aneta nokuchema;haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]