Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 142 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero.

1Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.

2Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.

3Mweya wangu paunoziya mandiri,imi ndimi munoziva nzira yangu.Munzira mandinofamba,vanhu vakandivanzira misungo.

4Tarirai kurudyi rwangu mugoona;hakuna ane hanya neni.Handina utiziro;hakuna ane hanya noupenyu hwangu.

5Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,“Ndimi utiziro hwangu,nomugove wangu munyika yavapenyu.”

6Teererai kuchema kwangu,nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,nokuti vanondikurira simba.

7Ndibudisei mutorongo,kuti ndirumbidze zita renyu.Ipapo vakarurama vachandipoteredzanokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]