Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 12 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;vakatendeka vapera pakati pavanhu.

2Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

3Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,norurimi rumwe norumwe runozvikudza

4ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simbanokugomera kwavarombo,ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

6Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,yakanatswa kanomwe.

7Imi Jehovha, muchatichengeta murugareuye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

8Vakaipa vanofamba-famba vakasunungukakana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]