Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 13 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here?Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?

2Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko,uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe?Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

3Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu.Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;

4muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,”uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

5Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.

6Ndichaimbira Jehovha,nokuti akandinakira.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]