Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 15 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?

2Iye anofamba asina chaanopomerwa uyeanoita zvakarurama,anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,

3uye asina makuhwa parurimi rwake,asingaitiri wokwake zvakaipauye asingatuki waagere naye,

4anozvidza munhu akaipaasi anokudza vaya vanotya Jehovha,anochengeta mhiko yakekunyange kana zvichirwadza,

5anokweretesa mari yake asingarevi mhinduuye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva.Munhu anoita izvihaangatongozungunuswi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]