Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 4 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndipindurei pandinodana kwamuri,imi Mwari wangu makarurama.Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera

3Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;pamunenge muri pamibhedha yenyu,nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera

5Ipai zvibayiro zvakaruramauye muvimbe naJehovha.

6Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukurukupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,nokuti imi moga, Jehovha,munoita kuti ndigare pakasimba.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]