Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 20 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3Ngaarangarire zvibayiro zvako zvoseuye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

4Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;anomupindura ari kudenga rake dzvene,nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9Haiwa Jehovha, ponesai mambo!Tipindurei patinodana!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]