Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Jeremiah 47 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Chirevo pamusoro pavaFiristia

1Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:

2Zvanzi naJehovha:“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,maguta navose vanogaramo.Vanhu vachachema;vose vanogara munyika vachaungudza

3pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,kutinhira kwengoro dzavavengi,nokurira kwemavhiri adzo.Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;maoko avo acharembera seakaremara.

4Nokuti zuva rasvikarokuparadza vaFiristia vose,uye nokuuraya vose vakasaravaigona kubatsira Tire neSidhoni.Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.

5Gaza richaveura musoro waro mukuchema;Ashikeroni richati mwiro.Haiwa, imi vakasara vari pabani,muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?

6“Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?Dzokera mumuhara wako;mira, unyarare.’

7Asi ungazorora sei,Jehovha akaurayira,sezvo akaurayirakuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]