Side by side with the Father's Heart Bible™ 1Rumbidzai Jehovha.Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza,zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!
2Jehovha anovaka Jerusarema;anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.
3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,uye anosunga maronda avo.
4Anotara kuwanda kwenyeredzi,anodana imwe neimwe nezita rayo.
5Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;kunzwisisa kwake hakuperi.
6Jehovha anotsigira vanozvininipisa,asi anowisira pasi vakaipa.
7Imbirai Jehovha nokuvonga;muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
8Anofukidza denga namakore;anopa nyika mvura,uye anomeresa uswa pazvikomo.
9Anopa mombe zvokudyanavana vamakunguo pavanochema.
10Mufaro wake hausi musimba rebhiza,uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
11Jehovha anofadzwa naavo vanomutya,vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.
12Kudza Jehovha, iwe Jerusarema;rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
13nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako,uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
14Anopa rugare pamiganhu yako,uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
15Anotuma murayiro wake kunyika;shoko rake rinomhanya kwazvo.
16Anowarira chando samakushe amakwai,uye anoparadzira chando samadota.
17Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu.Ndianiko angamira kana chando chake charova?
18Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa;anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.
19Akazarurira Jakobho shoko rake,mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.
20Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi;havazivi mirayiro yake.Rumbidzai Jehovha.