Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 9 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2Ndichafara nokufarisisa mamuri;ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3Vavengi vangu vanodzokera shure;vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu;makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa;makadzima zita ravo nokusingaperi.

6Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi,makadzura maguta avo;kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7Jehovha anotonga nokusingaperi;akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8Achatonga nyika nokururama;achatonga marudzi nokururamisira.

9Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza,iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira;haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei!Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyumumasuo oMwanasikana weZioni,uye ndigofara muruponeso rwenyu.

15Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera;tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake;vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera

17Vakaipa vanodzokera kuguva,idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa,uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda;ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

20Varovei nokutyisa, imi Jehovha;ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]