Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Psalms 10 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

1Munomirireiko kure, imi Jehovha?Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba,vanobatwa namano okufunga kwake.

3Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake;anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.

4Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki;mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.

5Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose;anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye;anodadira vavengi vake vose.

6Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa;ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”

7Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira;matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.

8Anovandira ari pedyo nemisha;pakuvandira uku anouraya vasina mhosva,ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.

9Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo;anovandira kuti abate vasina anovabatsira;anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.

10Vabatwa vake anovapwanya, vanowa;vanowira pasi pesimba rake.

11Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa;akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”

12Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari.Regai kukanganwa vanomanikidzwa.

13Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari?Seiko achiti mumwoyo make,“Haazondibvunzi?”

14Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa;munokutarisisa kuti mukupedze.Asina simba anozviisa kwamuri;muri mubatsiri wenherera.

15Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa;ngaazvidavirire pazvakaipa zvakezvakanga zvisingazoonekwi.

16Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri;ndudzi dzichaparara munyika yake.

17Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura;munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,

18muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa,kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]