Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Whoever isolates himself pursues his own desire; he lashes out against all sound wisdom. Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose.
2 A fool takes no pleasure in understanding, but only in airing his own opinions. Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.
3 When wickedness comes, contempt comes too, and with dishonor comes reproach. Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.
4 The words of a person's mouth are deep waters; the fountain of wisdom is a flowing stream. Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.
5 It is not good to show partiality to the wicked, denying justice to the righteous. Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.
6 A fool's lips bring strife, and his mouth invites a beating. Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.
7 A fool's mouth is his ruin, and his lips are a snare to his soul. Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.
8 The words of a gossip are like choice morsels; they go down into the inmost being. Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.
9 Whoever is slack in his work is brother to one who destroys. Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.
10 The name of our Father is a strong tower; the righteous runs into it and is safe. Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.
11 A rich man's wealth is his fortified city; in his imagination it is like a high wall. Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.
12 Before destruction the human heart is proud, but humility comes before honor. Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
13 If one answers before he listens, it is his foolishness and his shame. Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.
14 A person's spirit can sustain him through sickness, but a crushed spirit—who can bear it? Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?
15 The discerning heart acquires knowledge, and the ear of the wise seeks it out. Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.
16 A person's gift opens the way for him and brings him before important people. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.
17 The first to state his case seems right, until another comes and examines him. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.
18 Casting the lot settles disputes and separates strong opponents. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.
19 An offended brother is harder to win than a fortified city, and disputes are like the bars of a fortress. Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.
20 From the fruit of a person's mouth his stomach is satisfied; with the yield of his lips he is filled. Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.
21 Death and life are in the power of the tongue, and those who love it will eat its fruit. Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
22 He who finds a wife finds what is good and receives favor from our Father. Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
23 The poor person pleads for mercy, but the rich answers harshly. Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha.
24 A man of many companions may come to ruin, but there is a friend who sticks closer than a brother. Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]