Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Better a dry crust eaten in peace than a house full of feasting with strife. Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana.
2 A prudent servant will rule over a disgraceful son and will share the inheritance among the brothers. Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.
3 The crucible is for silver and the furnace for gold, but our Father tests hearts. Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.
4 An evildoer listens to wicked lips; a liar listens to a destructive tongue. Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.
5 Whoever mocks the poor insults his Maker; whoever gloats over disaster will not go unpunished. Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.
6 Grandchildren are the crown of the aged, and the glory of children is their parents. Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.
7 Fine speech is not fitting for a fool—still less are lying lips for a noble. Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!
8 A bribe seems like a magic charm to the one who gives it; wherever he turns, he thinks he will succeed. Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.
9 Whoever covers an offense seeks love, but whoever keeps bringing it up separates close friends. Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.
10 A rebuke goes deeper into a person of understanding than one hundred blows into a fool. Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.
11 A rebellious man seeks only evil, and a cruel messenger will be sent against him. Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.
12 Better to meet a bear robbed of her cubs than a fool in his foolishness. Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro.
13 If anyone returns evil for good, evil will never leave his house. Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.
14 Starting a quarrel is like breaching a dam, so drop the dispute before it bursts out. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.
15 Whoever justifies the wicked and whoever condemns the righteous—both alike are detestable to our Father. Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.
16 Why should a fool have money in hand to buy wisdom, when he has no heart to learn? Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?
17 A friend loves at all times, and a brother is born for a time of trouble. Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana.
18 One who lacks sense shakes hands on a pledge and puts up security for his neighbor. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.
19 Whoever loves wrongdoing loves strife; whoever builds his gate high invites destruction. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.
20 A crooked heart finds no good, and a twisted tongue falls into trouble. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.
21 Whoever fathers a fool brings grief on himself; the father of a godless fool has no joy. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.
22 A joyful heart is good medicine, but a crushed spirit dries up the bones. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.
23 A wicked man takes a bribe in secret to pervert the ways of justice. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.
24 A discerning person keeps wisdom in view, but the eyes of a fool wander to the ends of the earth. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.
25 A foolish son is a grief to his father and bitterness to the mother who bore him. Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka.
26 To punish the righteous is not good, nor to flog the noble for their integrity. Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.
27 Whoever holds back his words has knowledge, and one with a calm spirit is a person of understanding. Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama.
28 Even a fool who keeps silent is thought wise; when he closes his lips, he seems discerning. Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]