Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The plans of the heart belong to man, but the answer of the tongue comes from our Father. Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2 All a man's ways are pure in his own eyes, but our Father weighs the motives. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.
3 Commit your works to our Father, and your plans will be established. Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.
4 Our Father has made everything for its purpose, even the wicked for the day of trouble. Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.
5 Everyone proud of heart is detestable to our Father; be assured, he will not go unpunished. Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.
6 Loving devotion and faithfulness atone for sin, and the fear of our Father turns a person away from evil. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.
7 When a man's ways please our Father, our Father makes even the man's enemies live at peace with him. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.
8 Better a little with righteousness than great income with injustice. Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.
9 The heart of man plans his way, but our Father establishes his steps. Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
10 A divine verdict is on the lips of a king; his mouth does not betray justice. Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.
11 Honest scales and balances belong to our Father; every weight and measure is his work. Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.
12 It is detestable for kings to do wickedness, for a throne is established through righteousness. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
13 Righteous lips are the delight of kings, and they love the one who speaks what is right. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.
14 A king's wrath is a messenger of death, but a wise man will appease it. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.
15 In the light of a king's face is life, and his favor is like a cloud bringing the spring rain. Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.
16 How much better to get wisdom than gold! Getting understanding is worth more than silver. Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!
17 The highway of the upright turns away from evil; whoever guards his way protects his life. Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.
18 Pride goes before destruction, and a haughty spirit before a fall. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.
19 Better to be lowly in spirit among the poor than to share the plunder with the proud. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
20 Whoever heeds the word will find good, and blessed is the one who trusts in our Father. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.
21 The wise of heart is called discerning, and pleasant speech increases persuasiveness. Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.
22 Understanding is a fountain of life to the one who has it, but fools are corrected by their own foolishness. Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.
23 The heart of the wise makes his speech wise and adds persuasiveness to his lips. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.
24 Pleasant words are a honeycomb, sweet to the soul and healing to the bones. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
25 There is a way that seems right to a man, but its end is the way of death. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo inoenda kurufu.
26 A worker's appetite works for him; his hunger drives him on. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.
27 A worthless man digs up evil, and on his lips is a scorching fire. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.
28 A perverse man spreads strife, and a gossip separates close friends. Munhu akatsauka anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.
29 A violent man entices his neighbor and leads him down a harmful path. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.
30 Whoever winks his eyes plots perversity; whoever purses his lips is bent on evil. Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.
31 Gray hair is a crown of glory; it is gained in the way of righteousness. Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama.
32 Better a patient person than a mighty one, and one who rules his spirit than one who takes a city. Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.
33 The lot is cast into the lap, but its every decision is from our Father. Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]