Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Jonah 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Jonah prayed to our Father from inside the fish: Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake.
2 In my distress I called to my Father, and he answered me; from the grave's belly I cried for help, and you heard my voice. Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu.
3 You hurled me into the deep, into the heart of the seas, and the currents swirled around me; all your breakers and your waves swept over me. Makandikandira makadzika, mumwoyo chaimo megungwa, uye mvura zhinji ikandikomberedza; mafungu enyu ose namapopoma enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu.
4 Then I said, 'I have been driven away from your sight; yet I will look again toward your holy temple.' Ndakati, ‘Ndaraswa kubva pamberi penyu, asi ndichatarirazve ndakaringa kutemberi yenyu tsvene.’
5 The waters closed in over me to the point of death; the deep surrounded me; seaweed was wrapped around my head. Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa; pakadzikadzika pakandikomberedza; sora regungwa rakamonera musoro wangu.
6 I sank down to the roots of the mountains; the earth shut its gates behind me forever. But you brought my life up from the pit, my Father. Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu.
7 As my life was ebbing away, I remembered my Father, and my prayer rose to you, to your holy temple. “Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene.
8 Those who cling to worthless idols walk away from the love that could be theirs. “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
9 But I will sacrifice to you with grateful praise; I will keep every vow I have made. Salvation belongs to our Father! Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10 Then our Father spoke to the fish, and it vomited Jonah out onto the dry land. Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]