Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 6 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Israeri inoramba kutendeuka

1“Uyai tidzokere kuna Jehovha.Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu,asi achatiporesa;akatikuvadza,asi achasungazve mavanga edu.

2Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza;pazuva rechitatu achatidzorazve,kuti tirarame pamberi pake.

3Ngatimuzivei iye Jehovha;ngatishingairirei kumuziva.Zvirokwazvo sokubuda kwezuva,achaonekwa;achauya kwatiri semvura yomuchando,semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”

4“Ndichaiteiko newe, Efuremu?Ndichaiteiko newe, Judha?Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani,sedova ramangwanani rinopera.

5Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu,ndakakuurayai namashoko omuromo wangu,kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.

6Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

7SaAdhamu, vakaputsa sungano,vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.

8Gireadhi iguta ravarume vakaipa,rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.

9Samakororo anovandira munhu,ndizvo zvinoita boka ravaprista.Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu,vachipara mhosva dzinonyadzisa.

10Ndakaona chinhu chakaipa kwazvomuimba yaIsraeri.Imomo Efuremu anoita ufeveuye Israeri anosvibiswa.

11“Nokwauriwo iwe, Judha,kukohwa kwatarwa.“Pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]