Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 21 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,mupambi anouya achibva kurenje,kubva kunyika inotyisa.

2Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupambaEramu, rwisa! Medhia, vandira!Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,ndakanganisika nezvandinoona.

4Mwoyo wangu woziya,kutya kwondidederesa;rubvunzavaeni rwandaishuvarwava chinyangadzo kwandiri.

5Vanogadzira matafura,vanowaridza micheka pasi,vanodya, vanonwa!Simukai, imi machinda,zodzai nhoo!

6Zvanzi naIshe kwandiri:“Endai, mundogadza nharirireuye muite kuti azivise zvaanoona.

7Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,navatasvi vari pamusoro pembongorokana vatasvi vari pamusoro pengamera,ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”

8Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,“Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoroneboka ramabhiza.Uye anopa mhinduro achiti,‘Bhabhironi rawa, rawa!Zvifananidzo zvose zvavamwarivaro zvaputsirwa pasi!’ ”

10Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,ndinokuudzai zvandanzwa kubva kunaJehovha Wamasimba Ose,kubva kuna Mwari waIsraeri.

Chiprofita pamusoro peEdhomu

11Chirevo pamusoro peDhuma:Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”

12Nharirire inopindura ichiti,“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;uye ugodzokazve.”

Chiprofita pamusoro peArabhia

13Chirevo pamusoro peArabhia:Imi ngoro dzavaDhedhani,munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14vigirai vane nyota mvura;imi munogara muTema,uyai nezvokudya zvavanotiza.

15Vari kutiza munondo,kubva kumunondo wavhomorwa,nokuuta hwawemburwa,uye nokupisa kwehondo.

16Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera. 17Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]