Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The word that Isaiah son of Amoz saw concerning Judah and Jerusalem. Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema:
2 In the last days the mountain of our Father's house will be firmly established as the highest of the mountains, raised above the hills, and all the nations will stream to it. Mumazuva okupedzisira, gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa, richava guru pakati pamakomo; richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo, uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri.
3 Many peoples will come and say, "Come, let us go up to the mountain of God, to his house, so he can teach us his ways and we can walk in his paths." For instruction will go out from Zion, and the word of our Father from Jerusalem. Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva kuJerusarema.
4 He will judge between the nations and settle disputes for many peoples. They will beat their swords into plowshares and their spears into pruning hooks; nation will not lift up sword against nation, nor will they train for war anymore. Achatonga pakati pendudzi uye achapedza gakava pakati pamarudzi mazhinji. Vachapfura minondo yavo vagoiita miromo yamagejo, namapfumo avo vagoaita mapanga okuchekerera miti nawo. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa.
5 House of Jacob, come, let us walk in the light of our Father. Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha.
6 For you have abandoned your people, the house of Jacob, because they are filled with influences from the east and with fortune-tellers like the Philistines, and they have made alliances with foreigners. Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko nevedzimwe ndudzi.
7 Their land is full of silver and gold, with no end to their treasures; their land is full of horses, with no end to their chariots. Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi.
8 Their land is full of idols; they bow down to the work of their hands, to what their own fingers have made. Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.
9 So mankind is brought low, and everyone is humbled—do not forgive them. Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira.
10 Go into the rocks and hide in the dust from the dread of our Father and from the splendor of his majesty. Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake!
11 The proud eyes of mankind will be brought low, and the arrogance of men will be humbled; our Father alone will be exalted in that day. Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro.
12 For the Father of heaven's armies has a day in store against all that is proud and lofty, against all that is lifted up, so that it will be brought low, Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa),
13 against all the cedars of Lebanon, lofty and lifted up, and against all the oaks of Bashan, nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira, nemiouki yose yeBhashani,
14 against all the high mountains and against all the lofty hills, namakomo ose akakwirira, nezvikomo zvose zvakakwirira,
15 against every high tower and against every fortified wall, neshongwe dzose dzakakwirira, namasvingo ose akasimba,
16 against all the ships of Tarshish and against every magnificent vessel. nezvikepe zvose zveTashishi, nemidziyo yose yakanaka.
17 The arrogance of mankind will be humbled, and the pride of men brought low; our Father alone will be exalted in that day, Kuzvikudza kwomunhu kuchaderedzwa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaninipiswa; Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro,
18 and the idols will completely vanish. uye zvifananidzo zvichapera zvachose.
19 People will flee into the caves of the rocks and into holes in the ground from the dread of our Father and from the splendor of his majesty, when he rises to shake the earth. Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika.
20 In that day people will throw away their idols of silver and their idols of gold to the moles and bats, which they made for themselves to worship. Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate.
21 They will go into the clefts of the rocks and into the crevices of the cliffs from the dread of our Father and from the splendor of his majesty, when he rises to shake the earth. Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika.
22 Stop trusting in mere man, who has only breath in his nostrils. What good is he? Regai kuvimba nomunhu, anongova nokufema mumhino dzake. Anobatsireiko?
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]