Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 For look—the Father of heaven's armies is about to strip from Jerusalem and from Judah every support and supply: the whole supply of bread and the whole supply of water, Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
2 the warrior and the soldier, the judge and the prophet, the fortune-teller and the elder, mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,
3 the commander of fifty and the man of rank, the counselor, the skilled craftsman, and the clever enchanter. mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.
4 "I will make mere boys their officials, and childish whim will rule over them. Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.
5 The people will oppress one another, each man against his neighbor; the young will rise up against the old, and the lowly against the honored." Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.
6 A man will seize his brother in his father's house and say, "You have a coat—you be our leader; take charge of this heap of ruins." Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
7 But on that day he will cry out, "I am no healer! There is no bread and no coat in my house—you will not make me leader of the people." Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”
8 For Jerusalem has stumbled and Judah has fallen, because their words and their deeds are against our Father, defying his glorious presence. Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.
9 The look on their faces testifies against them; they flaunt their sin like Sodom—they do not hide it. How terrible for them, for they have brought disaster on themselves! Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.
10 Tell the righteous it will go well with them, for they will eat the fruit of their deeds. Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.
11 How terrible for the wicked! It will go badly for him, for what his hands have done will be repaid to him. Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.
12 My people—children are their oppressors, and women rule over them. My people, your guides lead you astray and have swallowed up the path you should walk. Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.
13 Our Father takes his stand to bring his case; he rises to judge the peoples. Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.
14 Our Father enters into judgment with the elders and officials of his people: "It is you who have devoured the vineyard; the plunder of the poor is in your houses. Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.
15 What do you mean by crushing my people and grinding the faces of the poor?" declares the Father of heaven's armies. Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, uye muchikuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.
16 Our Father said: "Because the daughters of Zion are proud—walking with outstretched necks and flirting eyes, mincing along with quick little steps, jingling the anklets on their feet, Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, uye vanofamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
17 therefore the Sovereign Father will strike the heads of the daughters of Zion with scabs, and our Father will lay bare their foreheads." Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”
18 On that day the Sovereign Father will strip away their finery: the anklets, the headbands, the crescent ornaments, Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima,
19 the earrings, the bracelets, the veils, nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri
20 the headdresses, the ankle chains, the sashes, the perfume flasks, the charms, nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango,
21 the signet rings, the nose rings, nemhete, noukomba hwemhino,
22 the festival robes, the capes, the cloaks, the purses, nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,
23 the hand mirrors, the fine linen garments, the turbans, and the shawls. nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.
24 Then, instead of perfume there will be a stench; instead of a sash, a rope; instead of elegantly styled hair, baldness; instead of fine robes, a wrapping of coarse cloth; branding instead of beauty. Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.
25 Your men will fall by the sword, your warriors in the battle. Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.
26 Her gates will mourn and lament; stripped bare, she will sit on the ground. Masuo eZioni achachema uye achaungudza; nokutambura kwaro, richagara pasi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]