Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The vision of Isaiah son of Amoz concerning Judah and Jerusalem in the days of Uzziah, Jotham, Ahaz, and Hezekiah, kings of Judah. Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUzia naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.
2 Hear, heavens, and listen, earth, for our Heavenly Father has spoken: "Children I reared and brought up, but they have rebelled against me. Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira.
3 "The ox knows its owner, and the donkey its master's manger, but Israel does not know, my people do not understand. Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.”
4 Ah, sinful nation, a people weighed down with guilt, offspring of evildoers, children who act corruptly! They have forsaken our Father, they have spurned the Holy One of Israel—our Father—they have turned their backs and walked away. Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira.
5 Why will you be beaten any longer? Why do you keep on rebelling? The whole head is sick, and the whole heart is faint. Mucharambireiko muchingorohwa? Munorambireiko muchimukira Jehovha? Musoro wenyu wose wakuvadzwa, mwoyo wenyu wose warwadziwa.
6 From the sole of the foot to the top of the head there is no healthy spot—only wounds, welts, and open sores, not cleaned or bandaged or soothed with oil. Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro wako hapana pakukutu, anongova maronda nokurwadziwa namavanga akazaruka, asina kusukwa kana kusungwa kana kuzorwa mafuta.
7 Your land is desolate, your cities burned with fire; in your very presence foreigners devour your fields—a desolation, overthrown by strangers. Nyika yenyu yaparadzwa, Maguta enyu apiswa nomoto; minda yenyu iri kutorwa navatorwa pamberi penyu chaipo, nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.
8 And the daughter of Zion is left like a shelter in a vineyard, like a hut in a cucumber field, like a city under siege. Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, seimba mumunda wamanwiwa, seguta rakakombwa.
9 If the Father of heaven's armies had not left us a few survivors, we would have become like Sodom, we would have been like Gomorrah. Dai Jehovha Wamasimba Ose asina kutisiyira vakapunyuka, tingadai takafanana neSodhomu, tingadai takaita seGomora.
10 Hear the word of our Father, you rulers of Sodom! Listen to the instruction of our Father, you people of Gomorrah! Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhomu; teererai kumurayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora!
11 What are your endless sacrifices to me?" says our Father. "I have had my fill of burnt offerings of rams and the fat of fattened animals; I take no delight in the blood of bulls and lambs and goats. “Zvibayiro zvenyu zvizhinji, zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa, zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; Handifadzwi neropa renzombe, ramakwayana nerembudzi.
12 When you come to appear before me, who asked this of you—this trampling of my courts? Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?
13 Stop bringing meaningless offerings! Your incense is detestable to me. New moons, Sabbaths, the calling of assemblies—I cannot stand wickedness mixed with your solemn gatherings. Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
14 Your new moons and your appointed feasts my soul hates; they have become a burden to me—I am weary of carrying them. Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.
15 When you stretch out your hands in prayer, I will hide my eyes from you; even when you offer many prayers, I will not be listening. Your hands are full of blood. Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa;
16 Wash yourselves; make yourselves clean. Take your evil deeds out of my sight; stop doing wrong. shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa,
17 Learn to do good; seek justice, set the oppressor right. Defend the orphan, stand up for the widow. dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
18 Come now, let us settle this together," says our Father. "Though your sins are like scarlet, they will be as white as snow; though they are red as crimson, they will become like wool. “Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
19 If you are willing and obedient, you will eat the good things of the land; Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika;
20 but if you refuse and rebel, you will be devoured by the sword. For the mouth of our Father has spoken." asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.
21 How the faithful city has become a prostitute! She was once full of justice; righteousness used to dwell in her—but now murderers. Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi!
22 Your silver has become worthless slag, your choice wine diluted with water. Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
23 Your rulers are rebels, partners with thieves; they all love a bribe and chase after gifts. They do not defend the orphan, and the widow gets no hearing from them. Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.
24 Therefore this is the declaration of the Sovereign Father, the Father of heaven's armies, the Mighty One of Israel—our Father: Ah, I will get relief from my adversaries and bring justice against my foes. Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu.
25 I will turn my hand against you; I will smelt away your slag as with lye and remove all your impurities. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose.
26 I will restore your judges as in days of old, your counselors as at the beginning. Afterward you will be called the City of Righteousness, the Faithful City. Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare, namakurukota ako sapamazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.”
27 Zion will be redeemed by justice, and those in her who repent, by righteousness. Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama.
28 But rebels and sinners will be broken together, and those who forsake our Father will be consumed. Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.
29 You will be ashamed of the sacred oaks you delighted in; you will blush over the gardens you have chosen. “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza.
30 For you will be like an oak whose leaves wither, like a garden without water. Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura.
31 The strong man will become tinder and his work a spark; both will burn together, with no one to put them out. Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]