Side by side with the Father's Heart Bible™ Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo
1Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!
2Endai namashokouye mudzokere kuna Jehovha.Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvosemutigamuchire nenyasha,kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
3Asiria haingatiponesi;hatingatasvi mabhiza ehondo.Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
4“Ndichaporesa kusateerera kwavouye ndichangovada hangu,nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
5Ndichava sedova kuna Israeri;achatunga seruva remahapa.Somusidhari weRebhanoniachadzikisa midzi yake;
6mabukira ake achakura.Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.
7Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.Achabudirira sezviyo.Achatunga maruva somuzambiringa,uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
8Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;kubereka kwako kunobva kwandiri.”
9Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.Nzira dzaJehovha dzakarurama;vakarurama vanofamba madziri,asi vatadzi vanogumburwa madziri.