Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My son, pay attention to my wisdom; listen closely to my understanding, Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru,
2 so that you may guard discretion and your lips may preserve knowledge. kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo.
3 For the lips of the forbidden woman drip honey, and her mouth is smoother than oil, Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;
4 but in the end she is bitter as poison, sharp as a double-edged sword. asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose.
5 Her feet go down to death; her steps take hold of the grave. Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva.
6 She gives no thought to the path of life; her ways wander, and she does not know it. Haafungi pamusoro penzira youpenyu; nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.
7 And now, my sons, listen to me, and do not turn away from the words of my mouth. Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; musatsauka pane zvandinotaura.
8 Keep your way far from her, and do not go near the door of her house, Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake,
9 lest you give your honor to others and your years to one who is cruel, kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu, uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,
10 lest strangers take their fill of your strength, and your hard-earned labors go to the house of a foreigner, kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu, uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.
11 and at your end you groan, when your flesh and body are consumed, Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera, kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.
12 and you say, "How I hated discipline, and my heart despised correction! Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa! Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!
13 I did not listen to the voice of my teachers or heed my instructors. Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu, kana kunzwa varairidzi vangu.
14 I was at the brink of utter ruin in the midst of the assembled congregation." Ndasvika pakuparara chaiko pakati peungano yose.”
15 Drink water from your own cistern, flowing water from your own well. Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo.
16 Should your springs overflow in the streets, your streams of water in the public squares? Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara?
17 Let them be yours alone, and not shared with strangers. Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.
18 May your fountain be blessed, and rejoice in the wife of your youth, Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
19 a loving doe, a graceful deer. May her love satisfy you always; may you be captivated continually by her love. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake.
20 Why then, my son, should you be captivated by a forbidden woman and embrace another man's wife? Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
21 For a man's ways are before the eyes of our Father, and he examines all the man's paths. Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.
22 The wicked are caught by their own wrongdoing and held fast in the cords of their sin. Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga; tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo.
23 He will die for lack of discipline, and he will go astray because of his great foolishness. Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake, atsauswa noupenzi hwake hukuru.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]