Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Listen, my children, to a father's instruction; pay attention, and gain understanding. Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.
2 I am giving you sound teaching, so do not abandon my instruction. Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.
3 For I too was a son to my father, tender and the only beloved of my mother. Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,
4 He taught me and said, "Let your heart hold on to my words; keep my commands and you will live. baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.
5 Get wisdom, get understanding; do not forget, and do not turn away from the words of my mouth. Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.
6 Do not forsake her, and she will protect you; love her, and she will watch over you. Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.
7 The beginning of wisdom is this: get wisdom; and with all you acquire, get understanding. Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
8 Cherish her, and she will lift you high; embrace her, and she will bring you honor. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.
9 She will set a garland of grace on your head; she will present you with a crown of glory." Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”
10 Listen, my son, and receive my words, and the years of your life will be many. Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.
11 I have taught you the way of wisdom; I have led you along straight paths. Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.
12 When you walk, your steps will not be held back; and when you run, you will not stumble. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.
13 Hold on to instruction, do not let go; guard her, for she is your life. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
14 Do not set foot on the path of the wicked, and do not walk in the way of evildoers. Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.
15 Avoid it, do not travel on it; turn away from it and pass on by. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.
16 For they cannot sleep unless they do wrong; they are robbed of rest unless they make someone stumble. Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.
17 They feed on the bread of wickedness and drink the wine of violence. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.
18 But the path of the righteous is like the light of dawn, shining brighter and brighter until the full light of day. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.
19 The way of the wicked is like deep darkness; they do not know what makes them stumble. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.
20 My son, pay attention to my words; listen closely to my sayings. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.
21 Never lose sight of them; keep them deep within your heart. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;
22 For they are life to those who find them, and healing to their whole body. nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
23 Above all else, guard your heart, for everything you do flows from it. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.
24 Keep crooked speech from your mouth, and keep deceitful lips far from you. Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
25 Let your eyes look straight ahead; fix your gaze directly before you. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.
26 Give careful thought to the path for your feet, and all your ways will be secure. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.
27 Do not turn to the right or the left; keep your foot away from evil. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]