Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My son, do not forget my teaching, but let your heart keep my commandments, Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
2 for they will add length of days and years of life and peace to you. nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.
3 Do not let covenant love and faithfulness leave you; bind them around your neck, write them on the tablet of your heart. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
4 So you will find favor and a good reputation with our Father and with people. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.
5 Trust in our Father with all your heart, and do not lean on your own understanding. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
6 In all your ways know him, and he will make your paths straight. munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
7 Do not be wise in your own eyes; fear our Father, and turn away from evil. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
8 This will bring healing to your body and refreshment to your bones. Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.
9 Honor our Father with your wealth and with the firstfruits of all your produce, Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;
10 then your barns will be filled with plenty, and your vats will overflow with new wine. ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
11 My son, do not despise the discipline of our Father or be weary of his correction, Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,
12 for our Father disciplines the one his heart loves, just as a father disciplines the son he delights in. nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
13 Blessed is the one who finds wisdom, and the one who gains understanding, Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
14 for the gain from her is better than gain from silver, and her profit better than gold. nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
15 She is more precious than jewels, and nothing you desire can compare with her. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
16 Long life is in her right hand; in her left hand are riches and honor. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
17 Her ways are pleasant, and all her paths are peace. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
18 She is a tree of life to those who take hold of her; those who hold her fast are called blessed. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
19 Our Father by wisdom founded the earth; by understanding he established the heavens; Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
20 by his knowledge the depths burst open, and the clouds drop down the dew. noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.
21 My son, do not lose sight of these; keep sound wisdom and discretion, Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;
22 and they will be life for your soul and an adornment for your neck. zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.
23 Then you will walk on your way securely, and your foot will not stumble. Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;
24 If you lie down, you will not be afraid; when you lie down, your sleep will be sweet. paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.
25 Do not be afraid of sudden terror, or of the ruin of the wicked when it comes, Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,
26 for our Father will be your confidence and will keep your foot from being caught. nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.
27 Do not withhold good from those who deserve it, when it is in your power to do it. Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.
28 Do not say to your neighbor, "Go, and come back, and tomorrow I will give it"—when you have it with you. Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.
29 Do not plot evil against your neighbor, who lives trustingly beside you. Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.
30 Do not quarrel with anyone for no reason, when he has done you no harm. Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira.
31 Do not envy a violent man, and do not choose any of his ways, Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
32 for the devious person is detestable to our Father, but he takes the upright into his confidence. nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
33 The curse of our Father is on the house of the wicked, but he blesses the home of the righteous. Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
34 Toward the mockers he is scornful, but to the humble he gives grace. Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
35 The wise will inherit honor, but fools get only disgrace. Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]