Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My son, if you receive my words and store up my commandments within you, Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri,
2 making your ear attentive to wisdom and turning your heart toward understanding; ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
3 yes, if you call out for insight and raise your voice for understanding, uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
4 if you seek it like silver and search for it as for hidden treasure, uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
5 then you will understand the fear of our Father and find the knowledge of our Father. ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.
6 For our Father gives wisdom; from his mouth come knowledge and understanding. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
7 He stores up sound wisdom for the upright; he is a shield to those who walk in integrity, Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
8 guarding the paths of justice and watching over the way of his faithful ones. nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
9 Then you will understand righteousness and justice and fairness—every good path. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
10 For wisdom will enter your heart, and knowledge will be pleasant to your soul; Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
11 discretion will watch over you, and understanding will guard you, Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
12 rescuing you from the way of evil, from men who speak twisted things, Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,
13 who abandon the paths of uprightness to walk in the ways of darkness, vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,
14 who delight in doing evil and rejoice in the perversity of evil, vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
15 whose paths are crooked, and who are devious in their ways. vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
16 Wisdom will rescue you also from the forbidden woman, from the stranger with her smooth words, Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
17 who forsakes the companion of her youth and forgets the covenant of her Father. uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
18 For her house sinks down to death, and her paths to the dead. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.
19 None who go to her return, nor do they reach the paths of life. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.
20 So you will walk in the way of the good and keep to the paths of the righteous. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
21 For the upright will live in the land, and those of integrity will remain in it; Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;
22 but the wicked will be cut off from the land, and the treacherous will be torn away from it. asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]