Side by side with the Father's Heart Bible™ Kunaka kwoUchenjeri
1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu,ukachengeta mirayiro yangu mauri,
2ukarerekera nzeve yako kuuchenjeriuye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
3uye kana ukadanidzira kuti uwanze njereuye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
4uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivhanokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
5ipapo uchanzwisisa kutya Jehovhauye uchawana ruzivo rwaMwari.
6Nokuti Jehovha anopa uchenjeri,uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
7Anochengetera vakarurama kukunda,iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
8nokuti anochengetedza nzira yavakarurama,uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
9Ipapo uchanzwisisa zvakarurama,kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
10Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako,uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
11Kungwara kuchakuchengetedza,uye kunzwisisa kuchakurinda.
12Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa,vanhu vane mashoko asakarurama,
13vanosiya nzira yakaruramakuti vafambe munzira dzerima,
14vanofarira kuita zvakaipauye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
15vane nzira dzakaminamauye vanonyengera pamaitiro avo.
16Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve,kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
17uyo akasiya murume woumhandara hwakeuye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
18Nokuti imba yake inoenda kurufu,uye nzira dzake kumweya yavakafa.
19Hakuna anoenda kwaari achidzokakana kuzowana nzira dzoupenyu.
20Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanakauye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
21Nokuti vakarurama vachagara munyika,uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;
22asi vakaipa vachaparadzwa panyika,uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.