Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My son, if you have put up security for your neighbor, if you have shaken hands in pledge for a stranger, Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,
2 you have been snared by the words of your mouth, caught by the words of your mouth. kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako,
3 Then do this, my son, and free yourself, for you are now at your neighbor's mercy: go, humble yourself, and plead with your neighbor. ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!
4 Give no sleep to your eyes, no slumber to your eyelids. Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.
5 Free yourself like a gazelle from the hand, like a bird from the hand of the trapper. Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.
6 Go to the ant, you sluggard; consider her ways and be wise. Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!
7 Without having any chief, officer, or ruler, Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,
8 she prepares her bread in summer and gathers her food in harvest. asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.
9 How long will you lie there, sluggard? When will you arise from your sleep? Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?
10 A little sleep, a little slumber, a little folding of the hands to rest, Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.
11 and poverty will come upon you like a robber, and scarcity like an armed man. Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.
12 A worthless person, a wicked man, goes about with crooked speech, Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,
13 winks with his eyes, signals with his feet, points with his fingers, anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,
14 with perverted heart he devises evil, continually sowing discord; anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.
15 therefore calamity will come upon him suddenly; in a moment he will be broken beyond healing. Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.
16 There are six things our Father hates, seven that are detestable to him: Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
17 haughty eyes, a lying tongue, and hands that shed innocent blood, meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,
18 a heart that devises wicked plans, feet that hurry to run to evil, mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
19 a false witness who breathes out lies, and one who sows discord among brothers. chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
20 My son, keep your father's commandment, and do not forsake your mother's teaching. Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
21 Bind them on your heart always; tie them around your neck. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.
22 When you walk, they will lead you; when you lie down, they will watch over you; and when you awake, they will talk with you. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.
23 For the commandment is a lamp and the teaching a light, and the reproofs of discipline are the way of life, Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,
24 to keep you from the evil woman, from the smooth tongue of the adulteress. kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.
25 Do not desire her beauty in your heart, and do not let her capture you with her eyelashes; Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,
26 for the price of a prostitute is only a loaf of bread, but a married woman hunts down a precious life. nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
27 Can a man carry fire next to his chest and his clothes not be burned? Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?
28 Or can one walk on hot coals and his feet not be scorched? Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?
29 So is he who sleeps with his neighbor's wife; none who touches her will go unpunished. Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
30 People do not despise a thief if he steals to satisfy his appetite when he is hungry, Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.
31 but if he is caught, he will pay sevenfold; he will give all the goods of his house. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.
32 He who commits adultery lacks sense; he who does it destroys himself. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
33 He will get wounds and dishonor, and his disgrace will not be wiped away. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;
34 For jealousy makes a man furious, and he will show no mercy in the day of vengeance. nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.
35 He will accept no compensation; he will refuse no matter how large the bribe. Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]