Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 A wise son heeds his father's instruction, but a scoffer does not listen to rebuke. Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
2 From the fruit of his mouth a person enjoys good things, but the appetite of the treacherous is for violence. Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.
3 Whoever guards his mouth protects his life, but one who opens his lips wide comes to ruin. Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.
4 The lazy person craves and gets nothing, but the appetite of the diligent is richly satisfied. Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.
5 The righteous hates falsehood, but the wicked brings shame and disgrace. Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.
6 Righteousness guards the one whose way is blameless, but wickedness overthrows the sinner. Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
7 One person pretends to be rich, yet has nothing; another pretends to be poor, yet has great wealth. Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.
8 A person's wealth may ransom his life, but the poor hears no threat. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haana chinomutyisidzira.
9 The light of the righteous shines joyfully, but the lamp of the wicked will be snuffed out. Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.
10 Arrogance breeds nothing but strife, but wisdom is with those who seek advice. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.
11 Wealth gained by fraud dwindles away, but whoever gathers little by little makes it grow. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.
12 Hope deferred makes the heart sick, but desire fulfilled is a tree of life. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
13 Whoever despises the word brings ruin on himself, but the one who reveres the commandment will be rewarded. Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.
14 The teaching of the wise is a fountain of life, turning a person away from the snares of death. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.
15 Good sense wins favor, but the way of the treacherous is their undoing. Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.
16 Every prudent person acts with knowledge, but a fool flaunts his foolishness. Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.
17 A wicked messenger falls into trouble, but a faithful envoy brings healing. Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.
18 Poverty and shame come to whoever ignores discipline, but the one who heeds correction is honored. Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.
19 A desire fulfilled is sweet to the soul, but turning away from evil is detestable to fools. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.
20 Whoever walks with the wise grows wise, but the companion of fools suffers harm. Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.
21 Disaster pursues sinners, but good rewards the righteous. Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.
22 A good person leaves an inheritance to his grandchildren, but the sinner's wealth is stored up for the righteous. Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.
23 The unplowed field of the poor could yield abundant food, but it is swept away for lack of justice. Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.
24 Whoever withholds the rod hates his son, but the one who loves him is diligent to discipline him. Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
25 The righteous eats to his heart's content, but the belly of the wicked goes hungry. Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]