Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 56 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This is what our Father says: Keep justice and do what is right, for my salvation is coming soon, and my righteousness is about to be revealed. Zvanzi naJehovha: “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
2 Blessed is the one who does this, the person who holds firmly to it: who keeps the Sabbath without profaning it, and keeps from doing any evil. Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”
3 Let not the foreigner who has joined himself to our Father say, "Our Father will surely separate me from his people"; and let not the eunuch say, "I am only a dry tree." Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
4 For this is what our Father says: "To the eunuchs who keep my Sabbaths, who choose what pleases me and hold fast to my covenant, Nokuti zvanzi naJehovha: “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu,
5 to them I will give within my house and within my walls a memorial and a name better than sons and daughters; I will give them an everlasting name that will not be cut off. kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
6 And the foreigners who join themselves to our Father, to minister to him, to love the name of our Father, and to be his servants—everyone who keeps the Sabbath without profaning it and holds fast to my covenant, Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,
7 these I will lead up to my holy mountain, and give them joy in my house of prayer; their sacrifices and burnt offerings will be welcome on my altar, since my house will be named a house of prayer for all peoples. ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
8 This is the declaration of the Sovereign Father, who gathers the outcasts of Israel: I will gather still others to them, besides those already gathered." Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”
9 All you beasts of the field, come to devour—all you beasts in the forest. Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!
10 Israel's watchmen are blind, all of them; they know nothing. They are all silent dogs that cannot bark, dreaming, lying down, loving to sleep. Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata.
11 The dogs have a fierce appetite; they never have enough. They are shepherds with no understanding; they have all turned to their own way, each to his own gain, every one of them. Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.
12 "Come," they say, "let me fetch wine; let us drink our fill of strong drink. And tomorrow will be like today, great beyond all measure." Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]