Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hear this, priests! Pay attention, house of Israel! Listen, house of the king! For the judgment is meant for you, because you have been a snare at Mizpah and a net spread out on Tabor. “Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori.
2 "The rebels have gone deep into slaughter, but I will discipline all of them. Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose.
3 I know Ephraim, and Israel is not hidden from me; for now, Ephraim, you have prostituted yourself, and Israel is defiled. Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri aora.
4 "Their deeds will not let them return to their Father, for a spirit of prostitution is within them, and they do not know our Father. “Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. Mweya woufeve uri mumwoyo yavo; havazivi Jehovha.
5 The pride of Israel testifies against him; Israel and Ephraim stumble in their sin; Judah also stumbles with them. Kuzvikudza kwaIsraeri kunovapa mhosva; vaIsraeri, kunyange Efuremu, vanogumburwa muchivi chavo; Judha anogumburwawo pamwe chete navo.
6 With their flocks and their herds they will go to seek our Father, but they will not find him; he has withdrawn from them. Pavachaenda namakwai nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, havazomuwani; azvibvisa kwavari.
7 They have dealt faithlessly with our Father, for they have borne illegitimate children. Now the new moon will devour them along with their fields. Havana kutendeka kuna Jehovha; vanobereka vana voupombwe. Zvino mitambo yavo yoKugara kwoMwedzi ichavadya pamwe chete neminda yavo.
8 "Blow the horn in Gibeah, the trumpet in Ramah. Sound the battle cry at Beth-aven; look behind you, Benjamin! “Ridzai hwamanda paGibhea, norunyanga paRama. Ridzai mhere yehondo paBheti Avheni; tungamira pamberi, iwe Bhenjamini.
9 Ephraim will become a desolation in the day of punishment; among the tribes of Israel I make known what is sure. Efuremu achaparadzwa pazuva rokutongwa. Pakati pamarudzi aIsraeri ndinozivisa zvinhu zvechokwadi.
10 The princes of Judah have become like those who move a boundary stone; on them I will pour out my wrath like water. Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura.
11 Ephraim is oppressed, crushed in judgment, because he was intent on pursuing worthless idols. Efuremu adzvinyirirwa atsikwa-tsikwa mukutongwa, nokuti akada kutevera zvifananidzo.
12 So I am like a moth to Ephraim, and like dry rot to the house of Judah. Ndakafanana nechipfukuto kuna Efuremu, sokuora kuvanhu veJudha.
13 "Ephraim saw his own sickness, Judah saw his open sore; so Ephraim ran to Assyria, appealing to its great king. But that king can't cure you, or heal your festering wound. “Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha maronda ake, Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria, akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro. Asi haagoni kukurapa, haagoni kuporesa mavanga ako.
14 For I will be like a lion to Ephraim, and like a young lion to the house of Judah. I myself will tear and go away; I will carry off, and no one will rescue. Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, seshumba huru kuna Judha. Ndichavabvambura kuita zvidimbu zvidimbu ndigoenda; ndichaenda navo pagoshaya anovarwira.
15 I will go back again to my place, until they acknowledge their guilt and seek my face; in their distress they will earnestly seek me." Mushure maizvozvo ndichadzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vabvuma mhosva yavo. Uye vachatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]