Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hear the word of our Father, children of Israel, for he has a case against the inhabitants of the land: there is no faithfulness, no covenant love, and no knowledge of him in the land. Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika.
2 There is only swearing and lying, murder and stealing and adultery; they break all bounds, and bloodshed follows bloodshed. Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.
3 Therefore the land mourns, and all who live in it waste away, together with the wild animals and the birds in the sky; even the fish in the sea are swept away. Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka dzesango neshiri dzedenga nehove dzegungwa zviri kufa.
4 Yet let no one accuse, let no one lay blame, for your people are like those who quarrel with the priest. “Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka.
5 You stumble by day, and the prophet stumbles with you by night; and I will destroy your mother. Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu.
6 My people are destroyed for lack of knowledge. Because you have rejected knowledge, I reject you as my priest; because you have forgotten the law of your Father, I also will forget your children. Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndinokurambaiwo savaprista vangu; nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu, ini ndichashayirawo hanya vana venyu.
7 The more they increased, the more they sinned against me; I will turn their glory into shame. Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.
8 They feed on the sin of my people and set their hearts on their wrongdoing. Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo.
9 So it will be: like people, like priest. I will punish them for their ways and repay them for their deeds. Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.
10 They will eat but not be satisfied; they will give themselves to prostitution but not multiply, because they have forsaken our Father and abandoned his ways. “Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire
11 Prostitution, wine, and new wine take away good sense. kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa
12 My people consult a piece of wood, and their staff gives them oracles; for a spirit of prostitution has led them astray, and they have played the prostitute, forsaking their Father. kwavanhu vangu. Vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.
13 They sacrifice on the mountaintops and burn offerings on the hills, under oak, poplar, and terebinth, because their shade is pleasant. So your daughters turn to prostitution and your brides to adultery. Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe.
14 I will not punish your daughters when they turn to prostitution, nor your brides when they commit adultery; for the men themselves go off with prostitutes and offer sacrifices with the temple prostitutes—a people without understanding comes to ruin. “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe, vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.
15 Though you, Israel, play the prostitute, let Judah not become guilty. Do not go to Gilgal; do not go up to Beth-aven; and do not swear, 'As surely as our Father lives.' “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwidza uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’
16 Israel is stubborn, like a stubborn heifer. Can our Father now pasture them like a lamb in an open meadow? VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro?
17 Ephraim is joined to idols; leave him alone. Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga!
18 When their drink is gone, they give themselves to prostitution; their rulers dearly love disgrace. Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.
19 A wind has wrapped them in its wings, and they will be ashamed because of their altars. Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]