Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 4 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Israeri inopiwa mhosva

1Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri,nokuti Jehovha ane mhosva yaarikupa kwamuri imi vagere munyika:“Hapana akatendeka, hapana ane rudo,hapana anoziva Mwari munyika.

2Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya,kuba noupombwe;vanoparadza zvose zvinovadzivisa,uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.

3Nokuda kwaizvozvi nyika inochema,navose vanogara mairi vanoperezeka.Mhuka dzesango neshiri dzedenganehove dzegungwa zviri kufa.

4“Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva,ngapasava nomunhu anopomera mumwenokuti vanhu venyu vakafanana neavovanopomera muprista mhaka.

5Imi munogumburwa masikati nousiku,uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi.Saka ndichaparadza mai venyu.

6Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo.“Sezvo maramba zivo,ini ndinokurambaiwo savaprista vangu;nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu,ini ndichashayirawo hanya vana venyu.

7Vaprista vakati vachiwanda,kunditadzira kwavo kukawandawo;vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.

8Vanodya zvivi zvavanhu vanguuye vachifarira zvakaipa zvavo.

9Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista.Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavouye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.

10“Vachadya asi havangaguti;vachaita ufeve asi havangawandi,nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire

11kuufeve,newaini yakare neitsva,zvinobvisa kunzwisisa

12kwavanhu vangu.Vanobvunza chifananidzo chedandauye vanopindurwa netsvimbo yomuti.Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika,havana kutendeka kuna Mwari wavo.

13Vanobayira pamusoro pamakomouye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo,pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini,pane mimvuri yakanaka.Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufevenavaroora venyu kuupombwe.

14“Handizorangi vanasikana venyupavanotendeukira kuufeve,kana varoora venyupavanoita upombwe,nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeveuye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe,vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.

15“Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri,usaita kuti Judha ave nemhosva.“Usaenda kuGirigari;usakwidza uchienda kuBheti Avheni.Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’

16VaIsraeri vakasindimara,setsiru rakasindimara.Zvino Jehovha achavafudza seisamakwayana pamafuro?

17Efuremu akabatana nezvifananidzo;musiyei ari oga!

18Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera,vanoramba vachiita ufeve hwavo;vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.

19Chamupupuri chichavatsvairira kure,uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]