Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 There is an evil I have seen under the sun, and it weighs heavily on humanity: Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru:
2 A man God gives wealth, riches, and honor, lacking nothing his soul desires—yet God doesn't let him eat from it; a stranger eats it instead. This is fleeting, a miserable sickness. Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza.
3 If a man fathers one hundred children and lives many years—however long his life—but his soul isn't satisfied with good things, and he isn't even buried, I say a stillborn child is better off than he is. Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye.
4 It comes in vapor and goes into darkness; darkness covers its name. Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa.
5 Though it never saw the sun or knew anything, it has more rest than that man. Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu,
6 Even if he lives 1,000 years twice over without ever enjoying good, don't all go to the same place? kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here?
7 All a person's toil is for his mouth, yet his appetite is never satisfied. Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake, kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
8 What advantage has the wise over the fool? What does the poor person gain by knowing how to conduct himself before others? Ko, akachenjera anokurira benzi pachii? Ko, murombo anowanei nokuziva kuzvibata pamberi pavamwe?
9 Better the sight of eyes than desire's wandering. This too is fleeting, a chasing after the wind. Zviri nani zvinoonekwa nameso pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
10 Whatever exists was already named, and what man is, is known; and he cannot dispute with one stronger than himself. Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare, uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare; hakuna munhu anorwisana nomunhu anomupfuura pasimba.
11 The more words, the more fleeting it all becomes, and how does that profit anyone? Kuwanda kwamashoko ndikowo kuwanda kwezvisina maturo, uye zvingabatsira aniko zvakadai?
12 For who knows what is good for a person in the few days of their fleeting life, passed like a shadow? For who can tell them what will happen after them under the sun? Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]