Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Guard your steps entering the house of God. Draw near to listen, not to offer fools' sacrifice—they don't know they're doing evil. Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa.
2 Don't rush your mouth, and don't let your heart hurry to speak before God—God is in heaven, you're on earth, so keep your words few. Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma.
3 For a dream comes from too much activity, and a fool's voice from too many words. Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.
4 When you vow a vow to God, don't delay paying it—he has no delight in fools. Pay what you vow. Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako.
5 It is better not to vow than to vow and not fulfill it. Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa.
6 Don't let your mouth make you sin, or tell the messenger it was a mistake. Why should God be angry at your voice and destroy your handiwork? Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?
7 For in many dreams and many words there is fleeting vapor. Therefore fear God. Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.
8 If you see the poor oppressed, and justice and righteousness violated in a province, don't be surprised—one official is watched by a higher one, and higher ones stand over them. Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo.
9 Yet the profit of the land is for everyone; even the king is served by the field. Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda.
10 Whoever loves money never has enough; whoever loves wealth never has enough income. This too is fleeting. Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo.
11 As wealth grows, so do those who consume it—what gain for its owner but watching it with his eyes? Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo?
12 A worker's sleep is sweet, whether he eats little or much; the rich man's abundance won't let him sleep. Hope dzomushandi dzakanaka, hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji, asi kuwanda kwezvinhu zvomupfumi hakumuwanisi hope.
13 I have seen a sickening evil under the sun: wealth kept by its owner, to his harm. Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva: pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo,
14 That wealth was lost in a bad venture, and when he fathered a son he had nothing left to leave him. kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira, kuti kana abereka mwana mukomana anoshaya chaanomusiyira.
15 As he came from his mother's womb, naked he returns, going as he came, taking nothing from his labor to carry in his hand. Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake, uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda. Haana chaanotakura chinobva pabasa rake, chaangaenda nacho muruoko rwake.
16 This too is a bitter evil: just as he came, so he goes. What does he gain from toiling for wind? Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo: Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda, uye chii chaangawana, iye achishandira mhepo?
17 All his days he eats in darkness, with much frustration, sickness, and anger. Pamazuva ake ose anodyira murima, nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha.
18 This I have seen: it is good and fitting to eat, drink, and see good in all the labor one labors at under the sun through the few days of life God gives—for that is one's lot. Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.
19 Also, when God gives someone wealth, possessions, and power to enjoy them, to accept their portion and find joy in their labor—that is God's gift. Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.
20 He will seldom recall the days of his life, since God keeps him busy with the joy of his heart. Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]