Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 A good name is better than fine perfume, and the day of death than the day of birth. Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.
2 It is better to go to the house of mourning than to go to the house of feasting, for that is the end of everyone, and the living should take it to heart. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.
3 Sorrow is better than laughter, for a sad face is good for the heart. Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.
4 The heart of the wise is in the house of mourning, but the heart of fools is in the house of pleasure. Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.
5 It is better to hear the rebuke of the wise than to hear the song of fools. Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
6 For like the crackling of thorns under a pot, so is the laughter of the fool. This too is fleeting. Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
7 Surely oppression turns a wise person into a fool, and a bribe corrupts the heart. Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo.
8 The end of a matter is better than its beginning, and a patient spirit is better than a proud spirit. Magumo echinhu anopfuura mavambo acho, uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.
9 Do not be quick in your spirit to become angry, for anger settles in the lap of fools. Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.
10 Do not say, "Why were the former days better than these?" For it is not from wisdom that you ask this. Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?” Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.
11 Wisdom is good with an inheritance, an advantage to those who see the sun. Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva.
12 For wisdom is a shelter, just as money is, but the advantage of knowledge is this: wisdom preserves the life of the one who has it. Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
13 Consider the work of God: who can straighten what he has made crooked? Cherechedza zvakaitwa naMwari: Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?
14 In the day of prosperity be joyful, and in the day of adversity consider: God has made the one as well as the other, so that no one can find out anything that will come after them. Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.
15 In my fleeting days I've seen it all: a righteous man dying in his righteousness, a wicked man living long in his evil. Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi: akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.
16 Do not be excessively righteous, and do not make yourself overly wise; why should you destroy yourself? Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?
17 Don't be too wicked, and don't be foolish—why die before your time? Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana?
18 Good to grasp this, and not let go of that too, for whoever fears God comes through both. Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza mwero.
19 Wisdom makes the wise person stronger than ten rulers who are in a city. Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.
20 Surely there is no one righteous on earth who does good and never sins. Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi.
21 Also, do not take to heart everything people say, or you may hear your servant cursing you, Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,
22 for your own heart knows that many times you yourself have cursed others. nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.
23 I tested all this by wisdom. I said, "I am determined to be wise"—but it was beyond me. Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati, “Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni.
24 Whatever exists is far off and deep, very deep—who can discover it? Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana?
25 I turned my heart to know, explore, and seek wisdom and the sum of things, and to know the evil of foolishness and the foolishness that is madness. Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa, kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu, uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa nomupengo hwoupenzi.
26 I find the woman more bitter than death: her heart is snares and nets, her hands chains. One good before God escapes her; the sinner is caught by her. Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye.
27 "See, this is what I found," says the Teacher, "adding one to another to find the sum, Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana: “Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,
28 which my soul kept seeking but didn't find. One man in 1,000 I found, but a woman among all these I didn't find. pandakanga ndichiri kutsvaka asi ndisina chandinowana, ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru, asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.
29 Look, this alone I found: God made humanity upright, but they sought many schemes." Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti: Mwari akaita vanhu vakarurama, asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]