Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Who is like the wise? Who knows what a thing means? A person's wisdom brightens their face; the hardness of their face is changed. Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso.
2 Keep the king's command, I say, because of your oath before God. Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari.
3 Don't rush to leave his presence, or stand in an evil matter—the king does whatever he pleases. Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza.
4 For the king's word holds supreme authority, and who can say to him, "What are you doing?" Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”
5 Whoever keeps a command knows no harm; a wise heart knows time and way. Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira.
6 Every matter has its time and way, though one's trouble weighs heavy on him. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru.
7 For no one knows what is to come, and who can tell them how it will be? Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya?
8 No one controls the wind to hold it back, or the day of death. No one is discharged from that war, and evil won't rescue those who practice it. Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge; saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake. Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo, saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita.
9 I saw all this, giving my heart to every deed done under the sun—a time one person ruled another to their harm. Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake.
10 Then I saw the wicked buried and laid to rest; they came and went from the holy place and were praised in the city where they had done so. This too is fleeting. Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo.
11 Because sentence for an evil deed is not carried out quickly, people's hearts are fully set on doing evil. Kana mhosva ikarega kukurumidza kutongwa, mwoyo yavanhu ichazara nezvirongwa zvokuita zvakaipa.
12 Though a sinner does evil one hundred times and still lives long, yet I know it will go well for those who fear God, who fear before him. Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari.
13 The wicked will not fare well, nor lengthen their days like a shadow, since they do not fear God. Asi nokuti vakaipa havatyi Mwari, hazvizovanakira, uye mazuva avo haangarebi somumvuri.
14 Something fleeting happens on earth: righteous people getting what the wicked deserve, and wicked people getting what the righteous deserve. I said this too is fleeting. Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo.
15 So I praised enjoyment: nothing is better for a person under the sun than eating, drinking, and being glad. This accompanies them through their labor, the days of life God gave them under the sun. Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
16 When I set my heart to know wisdom and see the work done on earth, though one's eyes see no sleep day or night. Pandakaisa pfungwa dzangu kuti ndizive uchenjeri nokuongorora mabasa omunhu panyika, maziso ake asingawani hope usiku namasikati,
17 Then I saw all God's work: no one can find out the work done under the sun. However hard they search, they won't find it; even if the wise claim to know, they can't find it out. ipapo ndakaona zvose zvakaitwa naMwari. Hapana munhu angazvinzwisisa zvinoitika pasi pezuva. Hazvinei kuti munhu anoedza sei kuzvitsvaka, munhu haangagoni kuziva zvazvinoreva. Kunyange munhu akachenjera akati anozviziva haangakwanisi kunyatsozvinzwisisa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]