Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ecclesiastes 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I set my heart to examine all this: the righteous, the wise, and their deeds are in God's hand. Whether love or hatred, no one knows—everything lies ahead of them. Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira.
2 The same happens to everyone: one fate for the righteous and the wicked, the good, the clean and unclean, the one who sacrifices and the one who doesn't. As with the good, so with the sinner; the one who swears an oath, like the one afraid to swear. Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko.
3 This is the evil in all done under the sun: one fate for all. Human hearts are full of evil, madness fills their hearts while they live—then they go to the dead. Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa.
4 Whoever lives still has hope: a living dog is better than a dead lion. Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa!
5 For the living know they will die, but the dead know nothing; they have no more reward, for their memory is forgotten. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva; havachinazve mumwe mubayiro, uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa.
6 Their love, their hatred, their envy have already perished; they will never again share in anything done under the sun. Rudo rwavo, ruvengo rwavo negodo zvakanguri zvapera kare; havachazovizve nechikamu, pane zvose zvinoitika pasi pezuva.
7 Go, eat your bread with joy, drink your wine with a glad heart, for God has already approved your deeds. Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako.
8 Let your garments always be white, and let your head never lack oil. Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta.
9 Enjoy life with the wife you love, all the fleeting days of life God has given you under the sun—all your fleeting days—for that is your portion in life and in the toil you labor at under the sun. Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.
10 Whatever your hand finds to do, do it with your strength, for there's no work or plan or knowledge or wisdom in the grave, where you're going. Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.
11 Again I saw under the sun: the race is not to the swift, nor the battle to the strong, nor bread to the wise, nor riches to the discerning, nor favor to the skilled—time and chance happen to them all. Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.
12 No one knows their time: like fish caught in an evil net, like birds caught in a snare, people are trapped in an evil time that falls on them suddenly. Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.
13 I have also seen this example of wisdom under the sun, and it seemed great to me: Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru:
14 A small city with few people: a great king came against it, surrounded it, and built great siegeworks against it. Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa.
15 A poor wise man was found in it who saved the city by his wisdom, yet no one remembered that poor man. Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya.
16 I said, "Wisdom is better than strength," yet the poor man's wisdom is despised, and his words are unheard. Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi.
17 The quiet words of the wise are heard better than the shouting of a ruler among fools. Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
18 Wisdom is better than weapons of war, but one sinner destroys much good. Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]