Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Hear this word our Father has spoken against you, children of Israel—against the whole family I brought up from Egypt: Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:
2 Of all the families of the earth, I have known only you; therefore I will hold you accountable for all your sins. “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”
3 Do two walk together, unless they have agreed to meet? Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here?
4 Does a lion roar in the forest when he has no prey? Does a young lion cry out from his den if he has caught nothing? Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?
5 Does a bird fall into a snare on the ground when there is no trap for it? Does a snare spring up from the earth when it has caught nothing? Ko, shiri ingawira pasi mumusungo pasina kuteyiwa rugombe here? Ko, musungo ungaurukira kumusoro pasina chawabata here?
6 If a ram's horn is blown in a city, will the people not tremble? If disaster comes to a city, has our Father not done it? Hwamanda ingarira muguta, vanhu vakasatya here? Njodzi painowira guta, ko, haazi Jehovha anenge azviita here?
7 Surely the Sovereign Father does nothing without revealing his secret to his servants the prophets. Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu asina kuzivisa varanda vake, vaprofita, zvakavanzika zvake.
8 The lion has roared—who will not fear? The Sovereign Father has spoken—who can keep from prophesying? Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha ataura, ndiani angarega kuprofita?
9 Proclaim over the strongholds in Ashdod and over the strongholds in the land of Egypt, and say: "Assemble on the mountains of Samaria and see the great uproar within her, and the oppression in her midst." Paridzirai nhare dzeAshidhodhi nenhare dzeIjipiti muchiti: “Unganai pamakomo eSamaria; onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro, noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”
10 They do not know how to do right, declares our Father—those who hoard up violence and plunder in their strongholds. “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”
11 So the Sovereign Father says: An enemy will surround the land, topple your defenses, and loot your strongholds. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako uye achapamba nhare dzako.”
12 This is what our Father says: As a shepherd rescues two legs or a piece of an ear from the lion's mouth, so the children of Israel living in Samaria will be rescued—with a corner of a couch, part of a bed. Zvanzi naJehovha: “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, avo vanogara muSamaria pamicheto yemibhedha yavo, nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”
13 Hear, and testify against the house of Jacob, declares the Sovereign Father, the Father of heaven's armies: “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.
14 On the day I punish Israel for his rebellions, I will also punish the altars of Bethel; the horns of the altar will be cut off and fall to the ground. “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo, ndichaparadza aritari dzeBheteri; nyanga dzearitari dzichaparadzwa uye dzichawira pasi.
15 I will strike the winter house along with the summer house; the houses of ivory will perish, and the great houses will come to an end, declares our Father. Ndichaparadza imba yenguva yechando, pamwe chete neimba yenguva yechirimo; dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa uye dzimba huru dzichaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]