Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This is what our Father says: For three sins of Moab, and for four, I will not revoke it—he burned the bones of Edom's king to lime. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu.
2 So I will send fire on Moab, and it will devour the strongholds of Kerioth; Moab will die amid the uproar, with shouting and the sound of the shofar. Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.
3 I will cut off the ruler from her midst and kill all her officials with him, says our Father. Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 This is what our Father says: For three sins of Judah, and for four, I will not revoke it—they rejected our Father's instruction and did not keep his rules, and their lies led them astray, the same lies their ancestors followed. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,
5 So I will send fire on Judah, and it will devour the strongholds of Jerusalem. ndichatuma moto pamusoro peJudha, uchaparadza nhare dzeJerusarema.”
6 This is what our Father says: For three sins of Israel, and four, I won't relent—they sell the righteous for silver, the needy for a pair of sandals. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha, navanoshayiwa kuti vawane shangu.
7 They trample the heads of the poor into the dust of the earth and push the afflicted off the road. A man and his father go to the same girl, profaning my holy name. Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo savanotsika paguruva, uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.
8 They stretch out beside every altar on garments taken as collateral, and in the house of their God they drink the wine of those they have fined. Vanovata pasi parutivi pearitari imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. Mumba yamwari wavo vanonwa waini yakatorwa somuripo.
9 Yet it was I who destroyed the Amorite before them, as tall as the cedars and as strong as the oaks; I destroyed his fruit above and his roots below. “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, kunyange akanga akareba somusidhari uye akasimba somuouki. Ndakaparadza zvibereko zvake kumusoro nemidzi yake pasi.
10 And it was I who brought you up out of the land of Egypt and led you forty years in the wilderness, to take possession of the land of the Amorite. “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, kuti ndikupe nyika yavaAmori.
11 I raised up some of your sons as prophets and some of your young men as Nazirites. Is this not so, people of Israel? declares our Father. Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 But you made the Nazirites drink wine, and you commanded the prophets, saying, "Do not prophesy." “Asi makaita kuti vaNaziri vanwe waini uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.
13 Look, I will crush you in your place, as a cart full of sheaves crushes the ground beneath it. “Zvino ipapo ndichakupwanyai sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.
14 Even the swift will find no escape, the strong will not hold on to his strength, and the warrior will not save his life. Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, vakasimba havangazovi nesimba ravo, uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.
15 The archer will not stand his ground, the fleet-footed will not escape, and the horseman will not save his life. Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.
16 Even the bravest of the warriors will flee away naked on that day, declares our Father. Kunyange mhare dzakashinga dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]