Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Amos 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The words of Amos, a shepherd of Tekoa, which he saw about Israel when Uzziah ruled Judah and Jeroboam son of Joash ruled Israel, two years before the earthquake. Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.
2 He said: Our Father roars from Zion, sounds his voice from Jerusalem; the shepherds' pastures mourn, and Carmel's summit withers. Akati: “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.”
3 This is what our Father says: For three sins of Damascus, and for four, I will not turn it back, because they threshed Gilead with sledges of iron. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare,
4 So I will send a fire upon the house of Hazael, and it will devour the strongholds of Ben-hadad. ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.
5 I will break the gate-bar of Damascus, and cut off the one who sits enthroned in the Valley of Aven and the one who holds the scepter in Beth-eden; and the people of Aram will go into exile to Kir, says our Father. Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6 So says our Father: For three crimes of Gaza, and for four, I will not reverse it—they exiled an entire people, handing them over to Edom. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu,
7 So I will send a fire upon the wall of Gaza, and it will devour her strongholds. ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake.
8 I will cut off the one enthroned in Ashdod and the one who holds the scepter in Ashkelon; I will turn my hand against Ekron, and the remnant of the Philistines will perish, says the Sovereign Father. Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 So says our Father: For three sins of Tyre, and for four, I will not relent, because they handed over a whole community of exiles to Edom and forgot the covenant of brothers. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, akasacherechedza sungano youkama,
10 So I will send a fire upon the wall of Tyre, and it will devour her strongholds. ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.”
11 This is what our Father says: For three sins of Edom, and for four, I will not relent, because he chased his brother with the sword, stifled all compassion, his anger tore endlessly, and he kept his wrath forever. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa,
12 So I will send a fire upon Teman, and it will devour the strongholds of Bozrah. ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.”
13 This is what our Father says: For three sins of the Ammonites, and for four, I will not relent, because they ripped open Gilead's pregnant women to enlarge their border. Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,
14 So I will kindle a fire on the wall of Rabbah, and it will devour her strongholds, with shouting on the day of battle, with a tempest on the day of the whirlwind. ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu.
15 And their king will go into exile, he and his officials together, says our Father. Mambo wake achaenda kuutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]