Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Joel 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "For look, in those days and at that time, when I restore the fortunes of Judah and Jerusalem, “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,
2 I will gather all the nations and bring them down to the Valley of Jehoshaphat. There I will judge them on behalf of my people, my inheritance Israel, whom they scattered among the nations; for they divided up my land, ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu.
3 and they cast lots for my people. They traded a boy for a prostitute, and sold a girl for wine to drink. Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvifeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe.
4 "Now what do you have against me, Tyre and Sidon, and all the regions of Philistia? Are you repaying me for something I have done? If you are paying me back, I will swiftly and speedily bring what you have done back on your own heads. “Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.
5 For you took my silver and my gold and carried my finest treasures into your temples. Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.
6 You sold the people of Judah and Jerusalem to the Greeks, to send them far away from their own land. Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.
7 "But look, I am rousing them from the place to which you sold them, and I will bring what you have done back on your own heads. “Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.
8 I will sell your sons and daughters to the people of Judah, and they will sell them to the Sabeans, to a nation far away—for our Father has spoken." Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.
9 Proclaim this among the nations: Prepare for war! Rouse the warriors! Let all the fighting men draw near and come up. Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.
10 Beat your plowshares into swords and your pruning hooks into spears; let the weakling say, "I am a warrior." Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!”
11 Hurry and come, all you surrounding nations, and gather yourselves there. Bring down your warriors, our Father. Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.
12 "Let the nations rouse themselves and come up to the Valley of Jehoshaphat; for there I will sit to judge all the surrounding nations. “Ndudzi dzose ngadzimutswe; ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichagara pasi kuti nditonge ndudzi dzose kumativi ose enyika.
13 Swing the sickle, for the harvest is ripe. Come, trample, for the winepress is full and the vats overflow—for their wickedness is great." Shandisai jeko, nokuti gohwo raibva. Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu, nokuti chisviniro chazara, uye zvirongo zvopfachukira, uku ndiko kukura kwakaita kuipa kwavo.”
14 Multitudes, multitudes in the valley of decision! For the day of our Father is near in the valley of decision. Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji, vari mumupata wokutonga. Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga.
15 The sun and the moon grow dark, and the stars hold back their light. Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima.
16 Our Father roars from Zion and raises his voice from Jerusalem; the heavens and the earth tremble. But our Father is a refuge for his people, a stronghold for the children of Israel. Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.
17 "Then you will know that I am your Father, living in Zion, my holy mountain. Jerusalem will be holy, and foreigners will never pass through it again. “Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu, ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene. Jerusarema richava dzvene; vatorwa havachazorirwisazve.
18 "And in that day the mountains will drip with sweet wine, the hills will flow with milk, and all the streambeds of Judah will run with water. A spring will flow from my house and water the Valley of Acacias. “Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva, uye zvikomo zvichaerera mukaka; hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura. Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha, uye chichadiridzira mupata wemiti yemiunga.
19 Egypt will become a wasteland and Edom a desolate wilderness, because of the violence done to the people of Judah, in whose land they shed innocent blood. Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.
20 But Judah will be inhabited forever, and Jerusalem through all generations. MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.
21 I will cleanse the guilt of the blood shed against them—which I have not yet cleansed—for our Father dwells in Zion." Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera, ndichairegerera, nokuti Jehovha anogara muZioni.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]