Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Joel 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Blow the ram's horn in Zion; sound the alarm on my holy mountain! Let all who live in the land tremble, for the day of our Father is coming—it is near: Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo,
2 A day of darkness and gloom, a day of clouds and thick darkness. Like dawn spreading across the mountains, a great and mighty army comes—nothing like it has ever been before, and nothing like it will ever come again. zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
3 Before them fire devours, and behind them a flame blazes. The land before them is like the garden of Eden, but behind them a desolate wilderness—and nothing escapes them. Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
4 They look like horses; like war horses they charge. Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
5 Like the rumbling of chariots they leap over the mountaintops, like the crackling of flame consuming stubble, like a mighty army drawn up for battle. Nokutinhira sokwengoro dzinokwakuka pamusoro pamakomo dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
6 Before them peoples writhe in anguish; every face grows pale. Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
7 Like warriors they charge; like soldiers they scale the wall. Each marches in line, never swerving from its course. Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
8 They do not jostle one another; each keeps to its own path. They burst through the weapons and are not halted. Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
9 They rush upon the city; they run along the wall. They climb into the houses; through the windows they enter like a thief. Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.
10 Before them the earth quakes, the heavens tremble. The sun and moon grow dark, and the stars no longer shine. Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.
11 Our Father raises his voice at the head of his army; his camp is very great, and mighty are those who carry out his word. The day of our Father is great and utterly terrifying—who can endure it? Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?
12 "Yet even now," declares our Father, "return to me with all your heart, with fasting, with weeping, and with mourning. Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
13 "Tear your hearts, not your garments. Return to your Father, for he is gracious and compassionate, slow to anger and abounding in covenant love, and he relents from sending disaster. Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
14 Who knows? He may turn and relent and leave behind a blessing—a grain offering and a drink offering for your Father." Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
15 Blow a shofar in Zion; consecrate a fast; call a sacred assembly. Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.
16 Gather the people; consecrate the assembly; bring together the elders; gather the children, even the infants nursing at the breast. Let the bridegroom come out of his room, and the bride from her chamber. Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake.
17 Let the priests who minister before our Father weep between the portico and the altar. Let them say, "Spare your people, our Father, and do not make your inheritance an object of scorn, a byword among the nations. Why should they say among the peoples, 'Where is their God?'" Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”
18 Then our Father became jealous for his land and took pity on his people. Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
19 Our Father answered his people: "Look, I am sending you grain, new wine, and oil, and you will be satisfied with them. Never again will I make you an object of scorn among the nations." Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
20 "I will drive the northern army far from you, pushing it into a parched and desolate land—its front ranks into the Dead Sea and its rear into the Mediterranean Sea. Its stench will rise; its foul smell will go up, for it has done monstrous things. “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira; kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
21 Don't be afraid, land; rejoice and be glad, for our Father has done great things! Usatya iwe nyika; fara zvako upembere. Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
22 Do not be afraid, you animals of the field, for the pastures of the wilderness are turning green; the tree bears its fruit; the fig tree and the vine yield their riches. Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
23 Be glad, children of Zion, and rejoice in your Father, for he has given you the autumn rain to show his faithfulness; he sends down for you abundant showers, the autumn and the spring rains, as before. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
24 The threshing floors will be full of grain; the vats will overflow with new wine and oil. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
25 I will repay you for the years the locusts have eaten—the swarming locust, the young locust, the destroying locust, and the cutting locust—my great army that I sent among you. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
26 You will eat your fill and be satisfied, and you will praise the name of your Father, who has dealt wondrously with you; and never again will my people be put to shame. Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
27 Then you will know that I am in the midst of Israel, and that I am your Father, and there is no other; and never again will my people be put to shame. Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
28 "And afterward, I will pour out my Spirit on all flesh. Your sons and your daughters will prophesy, your old men will dream dreams, your young men will see visions. “Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.
29 Even on the male servants and the female servants in those days I will pour out my Spirit. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
30 I will show wonders in the heavens and on the earth—blood and fire and columns of smoke. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
31 The sun will be turned to darkness and the moon to blood before the great and awesome day of our Father comes." Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
32 And this will happen: everyone who calls on the name of the Lord will be saved; for on Mount Zion and in Jerusalem there will be deliverance, as our Father has said, among the survivors whom our Father calls. Uye ani naani anodana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso, sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]