Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Joel 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The word of our Father that came to Joel son of Pethuel. Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2 Hear this, you elders; listen, all who live in this land. Has anything like this happened in your days, or in the days of your ancestors? Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?
3 Tell your children about it, and let your children tell their children, and their children the next generation. Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.
4 What the cutting locust spared, the swarming locust ate; what the swarming locust spared, the hopping locust ate; and what the hopping locust spared, the destroying locust ate. Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
5 Wake up, you drunkards, and weep; wail, all you wine drinkers, over the sweet wine, for it has been cut off from your lips. Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
6 "For a nation has invaded my land, mighty and beyond number; its teeth are the teeth of a lion, and it has the fangs of a lioness. Rudzi rwarwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
7 It has devastated my vines and splintered my fig tree; it has stripped off their bark and cast it aside, leaving their branches bare and white." Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.
8 Wail like a virgin dressed in mourning clothes for the husband of her youth. Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.
9 The grain offering and the drink offering are cut off from the house of our Father; the priests, the ministers of our Father, mourn. Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.
10 The field is devastated, the ground mourns; for the grain is destroyed, the new wine dries up, the oil fails. Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina.
11 Be ashamed, you farmers; wail, you grape growers, over the wheat and the barley, for the harvest of the field has perished. Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa.
12 The vine is dried up, and the fig tree withers; the pomegranate, the palm, and the apple—all the trees of the field are dried up. Surely joy has withered away from all people. Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wasvava.
13 Put on mourning clothes and lament, you priests; wail, you ministers of the altar. Come, spend the night in mourning clothes, you ministers of my Father; for the grain offering and the drink offering are withheld from the house of your Father. Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.
14 Declare a fast; call a sacred assembly. Gather the elders and all who live in the land to the house of our Father, and cry out to our Father. Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene; danai vanhu kuungano tsvene. Kokai vakuru navose vanogara munyika kuimba yaJehovha Mwari wedu, mugodana kuna Jehovha.
15 Alas for the day! For the day of our Father is near, and it will come like destruction from the Almighty. Rinotyisa sei zuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.
16 Is not the food cut off right before our eyes—joy and gladness gone from the house of our Father? Ko, zvokudya hazvina kubviswa here pamberi pedu chaipo, mufaro nokufarisisa kubva mumba maMwari wedu?
17 The seeds shrivel in the parched ground; the storehouses are desolate, the granaries are torn down, for the grain has dried up. Mbeu dzinopetana dzisati dzamera pasi pevhu, matura aparara, tsapi dzaputswa nokuti hapachina zviyo.
18 How the animals groan! The herds of cattle wander in confusion because they have no pasture; even the flocks of sheep suffer. Mombe dzinogomera sei! Matanga emombe odzungaira nokuda kwokushayiwa mafuro. Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.
19 To you, our Father, I call, for fire has devoured the pastures of the wilderness, and flame has burned all the trees of the field. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapisa mafuro, uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.
20 Even the wild animals cry out to you, for the streams have dried up, and fire has devoured the pastures of the wilderness. Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri; nokuti hova dzesango dzapwa uye moto waparadza mafuro ose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]