Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Wisdom has built her house; she has hewn out her seven pillars. Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
2 She has slaughtered her animals; she has mixed her wine; she has also set her table. Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.
3 She has sent out her young women to call from the highest places of the town: Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
4 "Whoever is simple, let him come in here!" To the one who lacks sense she says, Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
5 "Come, eat my bread and drink the wine I have mixed. Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira.
6 Leave your simple ways, and live; walk in the way of insight." Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
7 Whoever corrects a mocker brings abuse on himself, and whoever rebukes a wicked man gets hurt. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
8 Do not rebuke a mocker, or he will hate you; rebuke a wise man, and he will love you. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
9 Instruct a wise man and he will grow wiser; teach a righteous man and he will learn even more. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.
10 The fear of our Father is the beginning of wisdom, and the knowledge of the Holy One is insight. “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
11 For by me your days will be multiplied, and years will be added to your life. Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
12 If you are wise, you are wise for yourself; if you scoff, you alone will bear it. Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”
13 The woman Folly is loud; she is naive and knows nothing. Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo.
14 She sits at the door of her house, on a seat at the highest places of the town, Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
15 calling to those who pass by, who are going straight on their way: achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
16 "Whoever is simple, let him come in here!" And to the one who lacks sense she says, Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno!
17 "Stolen water is sweet, and bread eaten in secret is pleasant." Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
18 But he does not know that the dead are there, that her guests are in the depths of the grave. Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]