Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Does not Wisdom call out, and understanding raise her voice? Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?
2 Atop the heights along the way, where the paths meet, she takes her stand. Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
3 Beside the gates, at the entrance to the city, at the doorways she cries aloud: parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,
4 "To you, all people, I call out; my voice reaches all humanity. “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.
5 You who are simple, learn prudence; you who are foolish, gain an understanding heart. Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.
6 Listen, for I speak of noble things, and everything I say is right. Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.
7 My mouth utters truth, for my lips detest wickedness. Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.
8 All the words of my mouth are righteous; none of them is twisted or crooked. Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.
9 To the one who understands they are all clear, and right to those who find knowledge. Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo.
10 Take my instruction instead of silver, and knowledge rather than choice gold, Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,
11 for wisdom is better than jewels, and nothing you desire can compare with her. nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.
12 I, Wisdom, dwell with prudence, and I find knowledge and discretion. “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere.
13 The fear of our Father is to hate evil. Pride and arrogance, the evil way, and perverse speech I hate. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.
14 Counsel is mine, and sound wisdom; I am understanding; strength is mine. Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba.
15 By me kings reign, and rulers decree what is just; Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;
16 by me princes govern, and nobles—all who rule with justice. machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika.
17 I love those who love me, and those who search for me find me. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.
18 With me are riches and honor, enduring wealth and righteousness. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.
19 My fruit is better than gold, than the finest gold, and what I yield surpasses choice silver. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.
20 I walk in the way of righteousness, along the paths of justice, Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,
21 giving wealth as an inheritance to those who love me, and filling their treasuries. ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.
22 Our Father brought me forth at the beginning of his way, before his works of old. “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;
23 From ages past I was established, from the beginning, before the earth began. ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.
24 When there were no deep waters I was brought forth, when there were no springs overflowing with water. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;
25 Before the mountains were settled, before the hills, I was brought forth, makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,
26 while he had not yet made the earth and its fields, or the first dust of the world. asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.
27 When he set the heavens in place, I was there; when he drew a circle over the face of the deep, Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,
28 when he set the skies in place above, when he established the springs of the deep, paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,
29 when he set for the sea its boundary so the waters would not cross their limits, when he marked out the foundations of the earth, paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika.
30 then I was beside him as a master craftsman, and I was his daily delight, rejoicing before him always, Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,
31 rejoicing in his whole world, and delighting in the human family. ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu vose.
32 And now, my children, listen to me: blessed are those who keep my ways. “Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
33 Listen to instruction and be wise; do not ignore it. Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakushayira hanya.
34 Blessed is the one who listens to me, watching daily at my gates, waiting beside my doorway. Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu.
35 For whoever finds me finds life and receives favor from our Father. Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
36 But whoever misses me harms his own soul; all who hate me love death." Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]