Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Proverbs 29 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Whoever is often corrected yet refuses to listen will suddenly be broken beyond healing. Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
2 When the righteous flourish, the people rejoice, but when the wicked rule, the people groan. Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
3 A man who loves wisdom brings joy to his father, but a companion of prostitutes squanders his wealth. Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
4 By justice a king gives a land stability, but one who is greedy for bribes tears it down. Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
5 A man who flatters his neighbor spreads a net for his feet. Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
6 An evil man is snared by his own sin, but the righteous sing and rejoice. Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
7 The righteous care about justice for the poor, but the wicked have no such understanding. Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
8 Mockers set a city ablaze, but the wise calm the anger. Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9 When a wise man goes to court with a fool, the fool rages and scoffs, and there is no peace. Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
10 The bloodthirsty hate the blameless and seek to kill the upright. Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
11 A fool vents all his anger, but a wise man holds it back and keeps himself calm. Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
12 If a ruler listens to lies, all his officials become wicked. Kana mutongi akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
13 The poor man and the oppressor have this in common: our Father gives sight to the eyes of both. Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
14 If a king judges the poor with fairness, his throne will be established forever. Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
15 The rod and a word of correction give wisdom, but a child left to himself brings shame to his mother. Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
16 When the wicked flourish, wrongdoing flourishes, but the righteous will see the wicked's downfall. Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17 Discipline your son, and he will give you peace; he will bring delight to your heart. Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.
18 Where there is no revelation, the people run wild, but blessed is the one who keeps the law. Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
19 A servant cannot be corrected by words alone; though he understands, he will not obey. Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
20 Do you see a man who is hasty with his words? There is more hope for a fool than for him. Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
21 Pamper a servant from childhood, and in the end he will become like an heir. Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
22 An angry man stirs up strife, and a hot-tempered man commits many sins. Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.
23 A man's pride brings him low, but a humble spirit gains honor. Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
24 An accomplice of a thief is his own enemy; he hears the curse but says nothing. Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
25 Fear of man lays a snare, but whoever trusts in our Father is kept safe. Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.
26 Many seek a ruler's favor, but justice for a person comes from our Father. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27 An unjust man is detestable to the righteous, and an upright person is detestable to the wicked. Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]